July 22-28
PISAREMA 66-68
Rwiyo 7 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)
1. Jehovha Anotitakurira Mutoro Wedu Zuva Nezuva
(10 min.)
Jehovha anonzwa minyengetero yedu uye anoipindura (Pis 66:19; w23.05 12 ¶15)
Jehovha anonzwira tsitsi vaya vasina vanovabatsira (Pis 68:5; w10 12/1 23 ¶6; w09 4/1 31 ¶1)
Jehovha anotibatsira zuva nezuva (Pis 68:19; w23.01 19 ¶17)
ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Tingaita sei kuti Jehovha atitakurire mutoro wedu?
2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari
(10 min.)
-
Pis 68:18—Mumazuva evaIsraeri, ndivanaani vaiva “zvipo zviri varume”? (w06 6/1 10 ¶5)
-
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
3. Kuverenga Bhaibheri
(4 min.) Pis 66:1-20 (th chidzidzo 11)
4. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(3 min.) PAIMBA NEIMBA. Saimba anobva kune imwe nyika, anotaura mutauro wakasiyana newako kana kuti ane tsika dzakasiyana nedzako. (lmd chidzidzo 5 pfungwa 3)
5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira
(4 min.) PAIMBA NEIMBA. Endererai mberi nekukurukura turakiti rawakamupa pawakapedzisira kumushanyira. (lmd chidzidzo 9 pfungwa 3)
6. Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi
Rwiyo 102
7. Unogona Kuita Kuti Mutoro Wemumwe muKristu Ureruke Here?
(15 min.) Kukurukura nevateereri.
Hapana mushumiri waMwari anofanira kurwisana nematambudziko ari ega. (2Mak 20:15; Pis 127:1) Jehovha aripo kuti atibatsire. (Isa 41:10) Ndedzipi dzimwe nzira dzinoshandiswa naJehovha kuti atibatsire? Anotitungamirira achishandisa Shoko rake nesangano rake. (Isa 48:17) Anotipa mweya wake mutsvene. (Ru 11:13) Anoitawo kuti hama nehanzvadzi dzedu dzitikurudzire uye dzitibatsire nezvatinenge tichida. (2VaK 7:6) Izvi zvinoreva kuti Jehovha anogona kushandisa chero ani zvake ari pakati pedu kuti arerutse mutoro wemumwe muKristu.
Ratidzai VHIDHIYO inonzi Ratidza Rudo Rusingaperi Muungano—Kune Vakwegura, mobvunza vateereri kuti:
-
Ungaitei kuti urerutse mutoro wemumwe muKristu akwegura?
Ratidzai VHIDHIYO inonzi Ratidza Rudo Rusingaperi Muungano—Kune Vari Mubasa Renguva Yakazara, mobvunza vateereri kuti:
-
Ungaitei kuti urerutse mutoro wemumwe munhu ari mubasa renguva yakazara?
Ratidzai VHIDHIYO inonzi Ratidza Rudo Rusingaperi Muungano—Kune Vanobva Kune Dzimwe Nyika, mobvunza vateereri kuti:
-
Ungaitei kuti urerutse mutoro wemumwe munhu ari mumatambudziko?
8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano
(30 min.) bt chits. 13 ¶1-7, mashoko ekusuma chikamu 5 uye bhokisi riri papeji 103