Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

July 29–August 4

PISAREMA 69

July 29–August 4

Rwiyo 13 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. Zvinhu Zvakaitika Muupenyu hwaJesu Zvakazadzisa Sei Zvanga Zvataurwa muPisarema 69?

(10 min.)

Jesu aivengwa pasina chikonzero (Pis 69:4; Joh 15:​24, 25; w11 8/15 11 ¶17)

Jesu aishingairira imba yaJehovha (Pis 69:9; Joh 2:​13-17; w10 12/15 8 ¶7-8)

Jesu akashungurudzika chaizvo uye akapiwa waini yakasanganiswa nenduru (Pis 69:​20, 21; Mt 27:34; Ru 22:44; Joh 19:34; g95-E 10/22 31 ¶4; it-2-E 650)


ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Nei Jehovha akaita kuti uprofita hune chekuita naMesiya hunyorwe muMagwaro echiHebheru?

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 69:​30, 31—Mavhesi aya anotibatsira sei kuti tivandudze minyengetero yedu? (w99 1/15 18 ¶11)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Iva Nemwoyo Murefu—Jesu Akazviratidza Sei?

(7 min.) Kukurukura nevateereri. Ratidzai VHIDHIYO yacho, mokurukura lmd chidzidzo 8 pfungwa 1-2.

5. Iva Nemwoyo Murefu—Tevedzera Jesu

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 134

6. Zvemuungano Yenyu

(5 min.)

7. Mazano Ekushandisa Pakunamata Kwemhuri

(10 min.) Kukurukura nevateereri.

Muna January 2009, Chidzidzo Chebhuku Cheungano chakabatanidzwa neChikoro chaMwari Choushumiri uye Musangano Webasa kuva musangano mumwe chete wepakati pevhiki. Izvi zvakaita kuti vhiki rega rega, mhuri dziwane mukana wekuita kunamata kwemhuri. Vakawanda vanotenda chaizvo urongwa uhwu nekuti huri kuvabatsira kuswedera pedyo naJehovha uye nevemumhuri mavo.—Dhe 6:​6, 7.

Mazano api angashandiswa nemisoro yemhuri kuti vagare vachiita Kunamata Kwemhuri kunonyatsobatsira?

  • Garai muchiita Kunamata Kwemhuri. Kana zvichiita, rongai nguva yamuchaita kunamata kwemhuri vhiki rega rega. Garai makaronga rimwe zuva rekuita kunamata kwemhuri kuitira kana mukazokundikana kuita pazuva ramanga makasarudza

  • Gadzirirai. Pamunenge muchironga zvamuchaita pakunamata kwemhuri, taurai nemudzimai wenyu uye potai muchibvunzawo vana venyu zvavangada kuti mukurukure. Hamufaniri henyu kuita nguva yakawandisa muchigadzirira, kunyanya kana mhuri yenyu iine zvimwe zvinhu zvayagara ichiita pakunamata kwemhuri vhiki nevhiki

  • Itai kuti zvamunodzidza zvienderane nemhuri yenyu. Vana pavanenge vachikura, zvavanoda kudzidziswa uye zvavanokwanisa kuita zvinochinja. Kunamata kwenyu kwemhuri kunofanira kubatsira mumwe nemumwe ari mumhuri kuti asimbise ushamwari hwake naJehovha

  • Ratidzai kunzwisisa uye itai kuti munhu wese asununguke. Dzimwe nguva munogona kumbodzidza muri panze kana zvichiita. Itai muchimbozororera kana zvichidiwa. Kunyange zvazvo muchifanira kukurukura zvimwe zvinhu zvamunofanira kugadzirisa semhuri, musashandisa kunamata kwemhuri kutsoropodza kana kuranga mhuri yenyu

  • Itaiwo zvinhu zvakasiyana-siyana. Semuenzaniso, munogona kugadzirira misangano, kuona imwe vhidhiyo iri pajw.org moikurukura, uye kugadzirira zvamuchaita muushumiri. Kunyange zvazvo nguva yakawanda ichifanira kushandiswa pakukurukura semhuri, munogonawo kuita kuti pave nenguva yekuti mumwe nemumwe ari mumhuri adzidze ari ega

Kurukurai nevateereri mubvunzo uyu:

  • Makashandisawo sei mazano aya pakunamata kwenyu kwemhuri?

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 114 Nemunyengetero