“Kanda Mutoro Wako Pana Jehovha”
Dhavhidhi akasangana nematambudziko akakura muupenyu hwake. Panguva yaakazonyora Pisarema 55, Dhavhidhi akanga asangana nezvinhu zvakadai se. . .
-
Kushorwa
-
Kuda Kuurayiwa
-
Kunetseka Nechivi Chakakura Chaakaita
-
Kufirwa Nemwana
-
Kurwara
-
Kupandukirwa
Kunyange nhamo dzake padzaiita sedzava kumukurira, Dhavhidhi ane zvaakaita zvakamubatsira kutsungirira. Chero ani zvake angasangana nematambudziko akaita seaya, anogona kusimbiswa nemashoko akanyorwa naDhavhidhi okuti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha.”
Vhesi iyi tingaishandisa sei?
-
Durura mwoyo wako kuna Jehovha uchimuudza chero dambudziko kana chinhu chiri kukudya mwoyo
-
Tsvaka kutungamirirwa uye kubatsirwa neShoko raJehovha uye nesangano rake
-
Ita zvaunogona kuti uderedze dambudziko raunaro asi usaita zvinhu zvinopesana nezvinotaurwa neBhaibheri