Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

“Mwari Ndiye Mubatsiri Wangu”

“Mwari Ndiye Mubatsiri Wangu”

Mapisarema 52-59 anotaura kuti Dhavhidhi ainzwa sei zvinhu pazvainge zvakamuomera muupenyu. Panguva idzodzo dzainge dzakaoma, akaramba achivimba naJehovha. (Pis 54:4; 55:22) Akarumbidzawo Jehovha pamusana peShoko rake. (Pis 56:10) Isuwo pane zvatiri kuedza kuita here kuti tive nekutenda uye tivimbe naMwari wedu sezvaiita Dhavhidhi? Tinotsvaka mazano muShoko rake here patinosangana nematambudziko? (Zvi 2:6) Mavhesi api emuBhaibheri akakubatsira . . .

  • pawainge wakaora mwoyo?

  • pawairwara?

  • pawainge wagumburwa nevamwe?

  • pawaitambudzwa?