June 6- 12
MAPISAREMA 34-37
Rwiyo 95 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (3 min. zvichidzika)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Vimba naJehovha Uite Zvakanaka”: (10 min.)
Pis 37:1, 2—Ramba uchifunga nezvekushumira Jehovha, kwete kuisa pfungwa dzako pavanhu vakaipa vanoita sekuti vari kubudirira (w03 12/1 9-10 ¶3-6)
Pis 37:3-6—Vimba naJehovha uite zvakanaka, uye achakukomborera (w03 12/1 10-12 ¶7-15)
Pis 37:7-11—Mirira kusvikira Jehovha aparadza vakaipa (w03 12/1 13 ¶16-20)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (8 min.)
Pis 34:18—Jehovha anoita sei kune vaya “vakaora mwoyo” uye “vakadzvinyirirwa”? (w11 6/1 19)
Pis 34:20—Uprofita uhwu hwakazadzika sei pana Jesu? (w13 12/15 21 ¶19)
Ndinodzidzei nezvaJehovha kubva pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
Ipfungwa dzipi dziri pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino dzandinogona kushandisa muushumiri?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Pis 35:19–36:12
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Gadzirira Mharidzo Dzemwedzi Uno: (15 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vateereri vhidhiyo yemharidzo yekuenzanisira imwe neimwe, mobva makurukura navo zvinhu zvinokosha zvaitwa. Kurudzirai vaparidzi kuti vanyore mharidzo dzavo pachavo.
KURARAMA KWECHIKRISTU
Rwiyo 93
“Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kushandisa Mavhidhiyo Pakudzidzisa”: (15 min.) Kukurukurirana. Kuti mujekese zviri kutaurwa pakamusoro kanoti “Maitirwo Azvo” shandisai vhidhiyo iri pajw.org inonzi Who Is the Author of the Bible? (Endai pakanzi MABHUKU NEZVIMWEWO > MABHUKU UYE MABHUROCHA motsvaka bhurocha raMashoko Akanaka. Vhidhiyo yacho inowanika pachidzidzo chakanzi “Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari Zvechokwadi Here?”)
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) ia chits. 17 ¶1-13
Kudzokorora Zvadzidzwa Uye Kutaura Zvichadzidzwa Vhiki Rinotevera (3 min.)
Rwiyo 61 Nemunyengetero