KURARAMA KWECHIKRISTU
Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kushandisa Mavhidhiyo Pakudzidzisa
NEI ZVICHIKOSHA:
Mavhidhiyo ane simba rokunyatsoti dyo pamwoyo womunhu. Vhidhiyo inobata pfungwa dzemunhu uye zvaanenge aona haazozvikanganwi. Jehovha ndiye muenzaniso mukuru pakudzidzisa achishandisa zvinhu zvinooneka.—Mab 10:9-16; Zva 1:1.
Patinenge tichidzidza chidzidzo 2 ne3 chebhurocha raMashoko Akanaka, tinogona kushandisa mavhidhiyo anotevera: Mwari Ane Zita Here?, Who Is the Author of the Bible?, uye Tingaziva Sei Kuti Bhaibheri Rinobva Kuna Mwari? Patinenge tichikurudzira vanhu kudzidza Bhaibheri kana kupinda misangano yeungano tinogona kushandisa mavhidhiyo anotevera: Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri?, Zvidzidzo zveBhaibheri Zvinoitwa Sei?, uye Chii Chinoitwa paImba yoUmambo? Tinogona kushandisawo mamwe mavhidhiyo edu marefu patinenge tichidzidza nevanhu Bhaibheri.—km 5/13 3.
MAITIRWO AZVO:
-
Gara wadhaunirodha vhidhiyo yaunoda kuzoratidza saimba
-
Gadzirira mubvunzo mumwe chete kana kuti miviri ichapindurwa muvhidhiyo yacho
-
Chionai mose vhidhiyo yacho
-
Kurukurai pfungwa dzinokosha
EDZA IZVI:
-
Enda papeji yekupedzisira yeturakiti, womuratidza QR code inomuendesa kuvhidhiyo inonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri?
-
Ratidza saimba vhidhiyo inonzi Tingaziva Sei Kuti Bhaibheri Rinobva Kuna Mwari? wobva wamuratidza chidzidzo 3 chiri mubhurocha raMashoko Akanaka