Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Vabereki, Batsirai Vana Venyu Kuti Varambe Vachishumira Jehovha

Vabereki, Batsirai Vana Venyu Kuti Varambe Vachishumira Jehovha

Chido chevabereki vanotya Mwari ndechekuona vana vavo vachishumira Jehovha vakavimbika. Vabereki vanokwanisa kuvabatsira kuita izvi nekuroverera zvinodzidziswa neBhaibheri mumwoyo yavo kubvira vachiri vacheche. (Dhe 6:7; Zvi 22:6) Kuita izvi hakusi nyore. Asi munenge mashandira zviripo.​—3Jo 4.

Vabereki vanogona kudzidza zvakawanda kubva kuna Josefa naMariya. “Vaiwanzoenda kuJerusarema gore negore nokuda kwomutambo wepaseka,” kunyange zvazvo zvaisava nyore uye zvaida mari. (Ru 2:41) Chinhu chavainyanya kukoshesa ndechekuti mhuri yavo ive neushamwari hwakasimba naJehovha. Mazuva ano, vabereki vanogonawo kushandisa mikana yese yavanowana kudzidzisa vana vavo nezvavanotaura uye zvavanoita.​—Pis 127:3-5.

ONAI VHIDHIYO INONZI VAKASHANDISA MIKANA YESE, MOZOPINDURA MIBVUNZO IYI:

  • Zvii zvakaitwa naJon naSharon Schiller kuti varambe vachiisa Umambo pakutanga pavairera mhuri yavo?

  • Nei vabereki vachifanira kudzidzisa vana zvichienderana nemwana mumwe nemumwe?

  • Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti varambe vakavimbika pavanozosangana nemiedzo?

  • Zvii zvamakashandisa zvakabudiswa nesangano raJehovha pakubatsira vana venyu kuti vakure pakunamata?

Itai kuti mhuri yenyu ikoshese zvinhu zvekunamata