KURARAMA KWECHIKRISTU
Zvii Zvaungaita Kuti Kuverenga Bhaibheri Kunyatsokubatsira?
NEI ZVICHIKOSHA? Kudzidza Bhaibheri semunhu mumwe nemumwe kunotibatsira “kunzwisisa zvakazara chinonzi kufara nekureba nekukwirira nekudzika” kwechokwadi. (VaE 3:18) Kunotibatsirawo kuti tisava nechatinopomerwa, tisava neruvara munyika ino yakaipa uye ‘tirambe takabatisisa shoko reupenyu.’ (VaF 2:15, 16) Kudzidza Bhaibheri semunhu mumwe nemumwe kunotipa mukana wekuzvirongera tega zvatinoda kudzidza. Zvii zvatingaita kuti kuverenga uye kudzidza kwatinoita Bhaibheri kunyatsotibatsira?
MAITIRWO AZVO:
-
Maka mavhesi uye nyora manotsi muBhaibheri raunoshandisa pakudzidza
-
Zvibvunze mibvunzo yakadai seiyi paunenge uchiverenga Bhaibheri: ‘Ndiani? Chii? Riini? Kupi? Nei? Sei?’
-
Tsvakurudza. Shandisa zvekutsvakurudza zvauinazvo kuti uongorore zviri kutaurwa nevhesi kana kuti imwe nyaya
-
Dzamisa pfungwa pane zvauri kuverenga woona kuti zvinoshanda sei kwauri
-
Shandisa zvauri kudzidza muupenyu hwako.—Ru 6:47, 48
ONA VHIDHIYO INONZI RAMBA ‘WAKABATISISA’—NEKUNYATSODZIDZA URI WEGA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Vamwe vakatsanangura sei chinonzi kudzidza uri wega?
-
Nei tichifanira kutanga tanyengetera tisati tatanga kudzidza?
-
Chii chinogona kutibatsira kuti tinzwisise zvatinenge tichiverenga muBhaibheri?
-
Tinogona kumaka sei zvinhu zvatinoda muBhaibheri ratinoshandisa pakudzidza?
-
Nei zvichikosha kuti tidzamise pfungwa patinenge tichidzidza Shoko raMwari?
-
Tinofanira kuitei nezvatinenge tadzidza?