Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Jehovha Anoti Kudii?

Jehovha Anoti Kudii?

Tisati tasarudza zvekuita, zvingava zvikuru kana zvidiki, tinozvibvunza here kuti, ‘Jehovha anoti kudii?’ Kunyange tisingakwanisi kuziva zvese zviri mupfungwa dzaJehovha, zvaanotidzidzisa achishandisa Shoko rake zvakakwana kuti tikwanise “kuita mabasa ese akanaka.” (2Ti 3:16, 17; VaR 11:33, 34) Jesu aiziva zvinodiwa naJehovha uye ndizvo zvaaiisa pekutanga muupenyu. (Joh 4:34) Dai tikatevedzera Jesu, toita kuti pazvese zvatichasarudza tifadze Jehovha.​—Joh 8:28, 29; VaE 5:15-17.

ONA VHIDHIYO INONZI RAMBA UCHINZWISISA ZVINHU ZVINODIWA NAJEHOVHA (RE 19:18), WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Nei tichifanira kushandisa mazano eBhaibheri muupenyu hwedu?

  • Mazano api eBhaibheri atinofanira kufunga nezvawo pakusarudza nziyo dzekuteerera?

  • Mazano api eBhaibheri atinofanira kufunga nezvawo pakusarudza zvekupfeka?

  • Ndepapi pamwe patinofanira kushandisa mazano eBhaibheri?

  • Tingaitei kuti tiwedzere kunzwisisa zvinodiwa naJehovha?

Zvandinosarudza zvinoratidza kuti ushamwari hwangu naJehovha hwakaita sei?