Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Sarudza Nekuchenjera Zvinhu Zvekuzvivaraidza Nazvo

Sarudza Nekuchenjera Zvinhu Zvekuzvivaraidza Nazvo

Nei tichifanira kungwarira pakusarudza zvinhu zvatinozvivaraidza nazvo? Nekuti firimu, nziyo, website, bhuku kana kuti video game zvatinosarudza ndizvo zvichapinda mupfungwa dzedu. Zvatinoita zvinobva pane zvatinenge tasarudza kuisa mupfungwa. Mazuva ano, zvinhu zvinovaraidza zvakazara nezvinhu zvinovengwa naJehovha. (Pis 11:5; VaG 5:19-21) Ndosaka Bhaibheri richitikurudzira kuti tirambe tichifunga zvinhu zvinokudza Jehovha.​—VaF 4:8.

ONA VHIDHIYO INONZI NDINOFANIRA KUZVIVARAIDZA NEZVINHU ZVAKAITA SEI?, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Mitambo yevanhu vaiurayana yaiitwa nevaRoma yakafanana papi nezvinhu zviri kubudiswa mazuva ano?

  • Vemuungano vangabatsira sei vechidiki kusarudza nekuchenjera zvinhu zvekuzvivaraidza nazvo?

  • VaRoma 12:9 ingatibatsira sei pakusarudza zvinhu zvekuzvivaraidza nazvo?

  • Ndezvipi zvimwe zvekuzvivaraidza nazvo zvakanaka zviri kwaunogara?