Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VAGARATIYA 4-6

“Mufananidzo” Une Zvaunoreva Kwatiri

“Mufananidzo” Une Zvaunoreva Kwatiri

4:24-31

Muapostora Pauro akashandisa “mufananidzo” uyu kuti aratidze kuti sungano itsva yakanaka zvikuru kudarika sungano yeMutemo. Utungamiriri hwaKristu pamwe chete nevaachatonga navo hunoita kuti vanhu vese vave netariro yekusunungurwa pachivi, kutambura uye rufu.​—Isa 25:8, 9.

 

HAGARI​—MURANDASIKANA

Rudzi rwevaIsraeri urwo rwaiva pasi pesungano yeMutemo, uye Jerusarema ndiro raiva guta ravo guru

SARA​—MUKADZI AKASUNUNGUKA

Jerusarema riri kumusoro, chikamu chiri kudenga chesangano raMwari

“VANA” VAHAGARI

VaJudha (avo vakanga vari pasi pesungano yeMutemo) vakatambudza Jesu vakamuuraya

“VANA” VASARA

Jesu Kristu nevaKristu vakazodzwa 144 000

VARANDA VESUNGANO YEMUTEMO

Mutemo waiyeuchidza vaIsraeri kuti vaiva varanda vechivi

SUNGANO ITSVA INOPA RUSUNUNGUKO

Kutenda muchibayiro chaKristu kwakasunungura vanhu pasungano yeMutemo