KURARAMA KWECHIKRISTU
Ungadzidzei Kubva kuvaKristu Vava Nemakore Akawanda Vari Musangano?
Muungano dzedu tine hama nehanzvadzi dzava nemakore akawanda dzichishumira Jehovha. Tinogona kudzidza kubva pakuvimba kwavanoita naJehovha. Tinogona kuvabvunza nezvenhoroondo yesangano raJehovha uye nezvekubatsirwa kwavakaitwa naJehovha kuti vatsungirire matambudziko avakasangana nawo. Tinogona kuvakoka pamanheru atinoita Kunamata Kwemhuri tovabvunza zvavakasangana nazvo.
Kana wava nemakore akawanda uchishumira Jehovha, iva nechido chekuudza vaKristu vechidiki nezvekubatsirwa kwawakaitwa naJehovha. Jakobho naJosefa vakaudza vana vavo zvinhu zvavakanga vaitirwa naJehovha. (Ge 48:21, 22; 50:24, 25) Jehovha akazorayira misoro yemhuri kuti idzidzise vana vayo nezvemabasa ake makuru. (Dhe 4:9, 10; Pis 78:4-7) Mazuva ano, vabereki nevamwe vari muungano vanogona kuudza vechidiki nezvemabasa anoshamisa avakaona achiitwa naJehovha achishandisa sangano rake.
ONA VHIDHIYO INONZI KURAMBA VAKABATANA KUNYANGE PAVAIRAMBIDZWA KUITA BASA WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Hofisi yebazi yekuAustria yakabatsira sei hama dzedu dzaiva munyika dzakanga dzarambidza basa redu?
-
Hama dzaiva munyika idzi dzakaita sei kuti kutenda kwadzo kurambe kwakasimba?
-
Nei vaparidzi vakawanda vaiva muRomania vakasiya sangano raJehovha, uye vakazodzoka sei?
-
Nyaya idzi dzinosimbisa sei kutenda kwako?