June 8-14
GENESISI 46-47
Rwiyo 86 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (1 min.)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Kuwana Zvekudya Panguva Yenzara”: (10 min.)
Ge 47:13—MuIjipiti nemuKenani makaitika nzara huru kwazvo (w87-E 5/1 15 ¶2)
Ge 47:16, 19, 20—VaIjipiti vaifanira kupa zvinhu zvavo kuti vapone
Ge 47:23-25—Tinofanira kushanda nesimba kuti tibatsirwe nezvekudya zvekunamata zvakawanda zvatiri kupiwa (kr 235 ¶11-12)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (10 min.)
Ge 46:4—Jehovha airevei paakati Josefa ‘aizobata’ maziso aJakobho? (it-1-E 220 ¶1)
Ge 46:26, 27—Vanhu vangani vemumhuri yaJakobho vakapinda muIjipiti? (nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mab 7:14)
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino zvine chekuita naJehovha Mwari, ushumiri kana kuti zvimwewo?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Ge 47:1-17 (th chidzidzo 10)
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Vhidhiyo Yepaunoona Munhu Kekutanga: (4 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vhidhiyo yacho mozobvunza vateereri kuti: Muparidzi ashandisa sei mibvunzo zvinobudirira? Aratidza sei kushanda kunoita rugwaro?
Paunoona Munhu Kekutanga: (3 min. zvichidzika) Tanga nemharidzo yekuenzanisira. Mupe chimwe chezviri muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa. (th chidzidzo 3)
Paunoona Munhu Kekutanga: (5 min. zvichidzika) Tanga nemharidzo yekuenzanisira. Mupe bhuku raBhaibheri Rinotidzidzisei? wobva watanga chidzidzo cheBhaibheri pachitsauko 9. (th chidzidzo 14)
KURARAMA KWECHIKRISTU
Ramba Uchibatsirwa Nezviyeuchidzo zvaJehovha: (15 min.) Ratidzai vhidhiyo inonzi Koshesa Zviyeuchidzo zvaJehovha. Kurudzirai vateereri kuti varambe vachiverenga Bhaibheri uye vachibatsirwa nezvimwe zvatinopiwa zvinotibatsira pakunamata.—Isa 25:6; 55:1; 65:13; Mt 24:45.
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) jy chits. 118
Mashoko Ekugumisa (3 min. zvichidzika)
Rwiyo 109 Nemunyengetero