Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 1-5

Jobho Akaramba Akaperera Kuna Mwari Paakaedzwa

Jobho Akaramba Akaperera Kuna Mwari Paakaedzwa

Jobho aigara munyika yeUzi, vaIsraeri pavaiva varanda muIjipiti. Kunyange zvazvo Jobho akanga asiri werudzi rwevaIsraeri, akanga ari munamati waJehovha akavimbika. Aiva nemhuri yakakura, pfuma yakawanda uye aibatsira vanhu munharaunda yaaigara. Akanga ari chipangamazano airemekedzwa uye mutongi asina rusaruro. Aibatsira varombo. Jobho akanga ari murume akaperera kuna Mwari.

Jobho akanyatsoratidza kuti aikoshesa Jehovha kupfuura chero ani zvake

1:8-11, 22; 2:2-5

  • Satani akaona kuti Jobho akanga akaperera kuna Mwari. Haana kuramba kuti Jobho aiteerera Jehovha; asi akanga asina chokwadi nevavariro dzaJobho

  • Satani akataura kuti Jobho aishumira Jehovha nemhaka yekuti pane zvaaiwana kwaari

  • Kuti apindure zvakanga zvataurwa naSatani, Jehovha akabvumira Satani kuti aedze murume iyeye akanga akatendeka. Satani akaparadza pfuma yaJobho nemhuri yake uye akakanganisa utano hwake

  • Jobho paakaramba akavimbika, Satani akaratidza kuti akanga asina chokwadi nekuperera kwevanhu vose kuna Mwari

  • Jobho haana kutadza, kana kupa Mwari mhosva