Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 6-10

Jobho Anotaura Nezvekurwadziwa Kwake

Jobho Anotaura Nezvekurwadziwa Kwake

Jobho ainge asara asisina chaainacho, afirwa, uku achirwara zvisingaiti, asi akaramba akatendeka. Saka Satani akaedza kuita kuti Jobho aore mwoyo kuti asaramba akaperera pana Mwari. Shamwari nhatu dzenhema dzakamushanyira. Dzakatanga dzaratidza kunge dzaimunzwira tsitsi. Dzakabva dzaramba dzakanyarara kwemazuva 7, dzisingatauri kana neshoko rimwe chete zvaro rekumunyaradza. Padzakazotaura, dzakabudisa mashoko ekupomera Jobho mhosva dzakakura.

Jobho akaramba akavimbika kuna Jehovha pasinei nemiedzo yakakura yaakasangana nayo

6:3; 7:16; 9:20-22; 10:1, 12

  • Jobho akava nemaonero asina kunaka nekuti akanga achirwadziwa zvakanyanya. Akasvika pakufunga zvisiri izvo kuti Mwari akanga asina basa nazvo kuti aizoramba akatendeka here kana kuti kwete

  • Nemhaka yekuti akanga aora mwoyo, Jobho akanga ava kungofunga kuti ndiMwari chete aiita kuti atambure

  • Pasinei nekurwadziwa kwaaiita, Jobho akataura nezvekuda kwaaiita Jehovha kuvanhu vaimupomera