Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 11-15

Jobho Aitenda Zvakasimba Kuti Vakafa Vachamutswa

Jobho Aitenda Zvakasimba Kuti Vakafa Vachamutswa

Jobho akataura nezvekutenda kwaaiita kuti Mwari ane simba rekumumutsa

14:7-9, 13-15

  • Jobho akataura achishandisa mufananidzo wemuti kuti aratidze chivimbo chaaiva nacho chokuti Mwari aikwanisa kuzomumutsa. Zvimwe Jobho aifunga nezvemuti wemuorivhi

  • Muorivhi une midzi yakawanda inotambarara ichienda kure zvokuti kunyange hunde yacho ikatemwa, muti wacho unogona kutungirazve chero bedzi midzi yacho iri mipenyu

  • Mvura painozonaya pashure penguva yakareba isinganayi, chigutsa chakaoma chemuorivhi chinovazve chipenyu, nhungirwa padzinotanga kubuda pamidzi yacho, dzichiita mapazi “somuti mutsva”