Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rudzikinuro Rwunoita Kuti Pave Nerumuko

Rudzikinuro Rwunoita Kuti Pave Nerumuko

Chirangaridzo chinoita kuti tive nemukana wekudzamisa pfungwa tichifunga zvikomborero zvatichawana nekuti Jesu akatifira. Chimwe chacho rumuko. Jehovha aisamboda kuti vanhu vafe. Ndokusaka tichirwadziwa chaizvo kana tikafirwa nemunhu watinoda. (1VaK 15:26) Jesu akarwadziwa paakaona vadzidzi vake vachichema Razaro. (Joh 11:33-35) Sezvo Jesu achinyatsoratidza zvakaita Baba vake, tine chokwadi kuti Jehovha anorwadziwawo paanotiona tichichema hama neshamwari dzedu dzinenge dzafa. (Joh 14:7) Jehovha ari kumirira nguva yaachamutsa vashumiri vake vakafa, uye isuwo tinofanira kumirira nguva iyoyo.Job 14:14, 15.

Sezvo Jehovha ari Mwari akarongeka, zvine musoro kutarisira kuti achaita kuti rumuko rwuitike nenzira yakarongeka. (1VaK 14:33, 40) Panzvimbo pekuva nemariro, pachava nenguva dzekugamuchira vanenge vachimutswa. Unodzamisa pfungwa here uchifunga nezverumuko, kunyanya paya paunenge wafirwa? (2VaK 4:17, 18) Unotenda Jehovha here neurongwa hwerudzikinuro uye nekutiratidza muMagwaro kuti vakafa vachararamazve?VaK 3:15.

  • Ndedzipi hama neshamwari dzaunonyanya kutarisira kuzoona zvakare?

  • Ndevapi vanhu vemuBhaibheri vaunonyanya kutarisira kuzoona wotaura navo?