Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kunyora Mharidzo Yako Yemagazini

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kunyora Mharidzo Yako Yemagazini

NEI ZVICHIKOSHA? Kunyange zvazvo mharidzo dzekuenzanisira dzinobuda mupurogiramu yezvokuita uye zvichadzidzwa dzichibatsira, dzinongokupa pfungwa dzinokosha. Unofanira kushandisa mashoko ako pachako. Unogona kusarudza imwe nzira yaungazviita nayo kana kuti kushandisa imwewo nyaya ingafarirwa mundima yenyu. Kana uchida kuita izvi, paunenge waverenga magazini yacho, watarisa mharidzo dzekuenzanisira uye waona mavhidhiyo emharidzo dzekuenzanisira, unogona kushandisa mazano anotevera kuti unyore mharidzo yako.

MAITIRWO AZVO:

Zvibvunze kuti, ‘Ndinoda kushandisa imwe yemharidzo dzekuenzanisira here?’

HONGU

  • Gadzirira mashoko auchatanga kutaura. Kana makwazisana, ibva wataura zvawafambira. (Semuenzaniso ungati: “Ndauya pano kuti . . . ”)

  • Funga kuti uchasuma sei rugwaro pashure pekunge wabvunza mubvunzo uye kuti uchatii kuti upe munhu wacho chinyorwa. (Semuenzaniso pakusuma rugwaro ungati, “Mhinduro inogutsa yemubvunzo iwoyo inogona kuwanikwa pano apa.”)

KWETE

  • Sarudza nyaya yaunenge wafarira mumagazini yacho uye yaunoona kuti ichadiwa nevanhu mundima menyu

  • Iva nemubvunzo unoita kuti saimba afunge uye kuti ataure maonero ake zvoita kuti mukwanise kukurukura, asi mubvunzo wacho haufanire kuita kuti saimba aomerwe. (Semuenzaniso, mibvunzo yakaita seiri papeji 2 yemagazini edu.)

  • Sarudza rugwaro rwekuverenga. (Kana uchishandisa Mukai! zviri kwauri kuti uverenge rugwaro kana kurega nekuti magazini iyi yakaitirwa vanhu vanongoziva Bhaibheri zvishoma uye vanhu vacho vanogona kunge vasingavimbi nezvitendero.)

  • Nyora mutsara mumwe chete kana miviri yaunogona kutaura uchitsanangura kubatsirwa kunoitwa saimba kana akaverenga nyaya yacho

CHERO ZVAUNENGE WASARUDZA

  • Gadzirira mubvunzo wauchapindura kana wazodzokera

  • Nyora mashoko anokubatsira kuyeuka zvaunoda kuzotaura