Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Gamuchira Vaenzi Vedu

Gamuchira Vaenzi Vedu

Musi wa23 March, tinotarisira kuva nevaenzi vanogona kusvika mamiriyoni 12 kana kupfuura vachauya kuChirangaridzo. Vachabatsirwa chaizvo nemashoko achataurwa nemukurukuri pamusoro pechipo cherudzikinuro chatakapiwa naJehovha uye mamwe makomborero achawanikwa nevanhu! (Isa 11:6-9; 35:5, 6; 65:21-23; Joh 3:16) Zvisinei mukurukuri haasiriye oga achabatsira vanhu pamusangano uyu unokosha. Tose zvedu tinogona kupa uchapupu nekugamuchira vaenzi vanenge vauya. (VaR 15:7) Hezvino zvimwe zvatinogona kuita.

  • Pane kuti ungosvika wogara pasi uchimirira kuti musangano utange, gamuchira vaenzi kusanganisira vaya vasisaiti basa. Ita izvi nemufaro uye vakwazise zvine ushamwari.

  • Kunyange zvazvo uchinyanya kufunga nezvevaunenge wakakoka, haufaniri kukanganwawo kutarisa vaya vanenge vauya nekuti vanenge vakaona pepa rekukoka ravakapiwa pataiita mushandirapamwe. Kumbira vatsva vanenge vauya kuti mugare mose kuti vaone newe Bhaibheri nebhuku renziyo.

  • Hurukuro painenge yapera, unofanira kunge wakagadzirira kupindura mibvunzo. Kana musina nguva yakawanda nekuti ungano yenyu inenge ichifanira kukurumidza kubuda kuti imwe ungano ipindewo, ronga kuti uzokurumidza kushanyira munhu iyeye. Kana usingazivi kuti mungazoonana sei, unogona kuti: “Ndingada kuzonzwa kwamuri kuti maonawo sei musangano wataita uyu. Ndinogona kuzokurukura nemi sei?”