Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mharidzo Dzekuenzanisira

Mharidzo Dzekuenzanisira

NHARIREYOMURINDI

Mubvunzo: Munofunga kuti ndechipi chipo chikuru chatakapiwa naMwari?

Rugwaro: Joh 3:16

Zvekutaura: Magazini iyi inotsanangura kuti nei Mwari akatuma Jesu kuti azotifira uye kuti tingaratidza sei kuti tinotenda zvatakaitirwa.

CHII CHINONZI UMAMBO HWAMWARI? (T-36)

Mubvunzo: [Muratidze peji yekutanga.] Mungapindurawo sei mubvunzo uyu? Umambo hwaMwari chinhu chiri mumwoyo mako here? kutaura kwedimikira here? kana kuti ihurumende iri kudenga?

Rugwaro: Dha 2:44; Isa 9:6

Zvekutaura: Pepa iri rinotsanangura zvatichaitirwa neUmambo hwaMwari.

PEPA REKUKOKA VANHU KUCHIRANGARIDZO

Zvekutaura: Tiri kukoka vanhu kumusangano unokosha zvikuru. [Mupe pepa racho.] Musi wa11 April, mamiriyoni evanhu pasi rose achaungana kuti ayeuke rufu rwaJesu uye kuti anzwe hurukuro yeBhaibheri inotaura kuti rufu rwake runotibatsira sei. Pepa iri rinoratidza nguva nenzvimbo ichaitirwa musangano wacho. Tichafara kana mukauyawo.

NYORAWO MHARIDZO YAKO

Nyorawo mharidzo yako pachako yomuushumiri uchitevedzera mharidzo yokuenzanisira iri pamusoro apa.