Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kushandisa Bhurocha raNdivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?

Kushandisa Bhurocha raNdivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?

Bhurocha raNdivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano? rakagadzirwa kuti tirishandise pazvidzidzo zvedu zveBhaibheri, tichangotanga chidzidzo kana kuti tapedza. * Zvidzidzo 1 kusvika ku4 zvebhurocha iri zvinobatsira vadzidzi kuti vazive kuti tiri vanaani, zvidzidzo 5 kusvika ku14 zvinovabatsira kuziva zvatinoita, uye zvidzidzo 15 kusvika ku28 zvinotaura nezvesangano redu. Zvakanaka ndezvekuti titangire kwekutanga tichienda mberi, kunze kwekunge paine nyaya ingada kukurumidza kudzidzwa nezvayo. Chidzidzo chimwe nechimwe chiri papeji imwe chete uye chinogona kukurukurwa mumaminitsi 5 kusvika ku10.

  • Verengai mubvunzo unenge uri musoro wechidzidzo chacho

  • Munogona kutanga nekuverenga chidzidzo chose kana kuti kuverenga chikamu, mobva maenda pane chimwe chikamu

  • Kurukurai zvamaverenga. Bvunza mibvunzo iri kuzasi kwepeji uye shandisa mapikicha arimo. Ona kuti ndeapi magwaro ari mundima amungaverenga, moakurukura. Mubatsire kuona kuti misoro midiki inopindura musoro wechidzidzo chacho

  • Kana paine bhokisi rakanzi “Dzidza Zvimwe,” riverengei uye mukurudzire kuti aite zviri kutaurwa

^ ndima 3 Riri paIndaneti ndiro rakagadziridzwa kuti rifambirane nenguva.