Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kushandisa Bhurocha raTeerera Mwari

Kushandisa Bhurocha raTeerera Mwari

Bhurocha raTeerera Mwari rine mapikicha akawanda anoita kuti zvive nyore kudzidzisa chokwadi chiri muBhaibheri kune vasinganyatsogoni kuverenga. Chidzidzo chimwe nechimwe chine mapeji maviri uye mapikicha acho anokunongedzera kuti uchibva pane imwe pikicha uri kuenda pane ipi.

Bhurocha raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi rine mapikicha akangofanana neari muna Teerera Mwari. Asi raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi rine mashoko akati wandei uye rinogona kushandiswa nevanenge vachiti gonei kuverenga. Pakudzidzisa, vaparidzi vanowanzobata raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi uye wavanodzidza naye anenge akabata raTeerera Mwari. Mapeji akawanda ane bhokisi rine mamwe mashoko uye anogona kukurukurwa kana ari kudzidziswa wacho achigona kuzvibata.

Mabhurocha aya anogona kupiwa vanhu chero nguva kunyange asiriwo atinenge tichipa vanhu mwedzi wacho. Paunenge uchidzidzisa munhu, shandisa mapikicha kuti anzwisise nyaya yacho. Mubvunze mibvunzo kuti ataurewo zvaanofunga uye uone kana anzwisisa. Verengai uye kurukurai mavhesi akanyorwa nechepazasi pepeji rimwe nerimwe. Kana mapedza bhurocha racho, dzidzai bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? kuti umubatsire kuti azokwanisa kubhabhatidzwa.