Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Batsira Mhuri Yako Kuyeuka Jehovha

Batsira Mhuri Yako Kuyeuka Jehovha

Jeremiya akapiwa basa rekuudza vaJudha kuti vaizoparadzwa nekuti vainge vakanganwa Mwari wavo, Jehovha. (Jer 13:25) Chii chainge chaita kuti rudzi rwevaIsraeri rwuzosvika pakadai? Mhuri dzevaIsraeri dzainge dzisisina kusimba pakunamata. Chakaita kuti zvidaro inyaya yekuti misoro yemhuri yakanga isiri kuita zvinotaurwa pana Dheuteronomio 6:5-7.

Mhuri dzakasimba pakunamata dzinoitawo kuti ungano dzedu dzirambe dzakasimba. Vanababa vanogona kubatsira mhuri dzavo kuyeuka Jehovha kana vakagara vachiita kunamata kwemhuri nemazvo. (Pis 22:27) Kana mapedza kuona vhidhiyo inonzi “Mashoko Aya . . . Anofanira Kuva Mumwoyo Mako”—Mhuri Dziri Kubvunzurudzwa, pindurai mibvunzo iyi:

  • Ndezvipi zvakaitwa nedzimwe mhuri kuti dzikunde zvinhu zvinowanzovhiringa kunamata kwemhuri?

  • Ndezvipi zvakanakira kugara muchiita Kunamata Kwemhuri nemazvo?

  • Ndezvipi zvinondiomera pakuita kunamata kwemhuri, uye ndingazvigadzirisa sei?