Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JEREMIYA 12-16

VaIsraeri Vakakanganwa Jehovha

VaIsraeri Vakakanganwa Jehovha

Zvakaudzwa Jeremiya kuti aite zvaiva zvisiri nyore uye zvainyatsoratidza kuti Jehovha aida kuparadza rudzi rwaJudha rwainge rwakaoma musoro pamwe chete neguta ravo reJerusarema.

Jeremiya akatenga bhandi rerineni

13:1, 2

  • Kusunga kwakaita Jeremiya bhandi iri muchiuno kwairatidza kuti Jehovha aikwanisa kuva neukama hwepedyo zvikuru nevaIsraeri

Jeremiya akaenda nebhandi racho kuRwizi rwaYufratesi

13:3-5

  • Akanoriviga pamukaha wedombo, achibva adzokera kuJerusarema

Jeremiya akadzokera kuRwizi rwaYufratesi kunotora bhandi racho

13:6, 7

  • Akawana bhandi racho raora

Jeremiya paakaita zvaakanga atumwa, Jehovha ndipo paakazomutsanangurira kuti aizviitirei

13:8-11

  • Kuteerera kwakaita Jeremiya pachinhu chaiita sechidiki kwakabatsira kuti mashoko aJehovha anyatsosvika pamwoyo yevanhu