Kukoka vanhu kuChirangaridzo kuSlovenia

PUROGIRAMU YEUSHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU March 2018

Mharidzo Dzekuenzanisira

Mharidzo dzekukoka vanhu kuChirangaridzo: Nei Jesu akafa? Ndezvipi zvimwe zvatinowana nekufirwa kwatakaitwa naJesu?

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

“Anoda Kuva Mukuru Pakati Penyu Anofanira Kuva Mushumiri Wenyu”

Tinoshanda nesimba pazvinhu zvinoita kuti tionekwe uye tirumbidzwe here? Munhu anozvininipisa anoita mabasa asingaonekwi nevamwe asi anoonekwa naJehovha chete.

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Teerera Mirayiro Mikuru Miviri

Ndeipi mirayiro miviri yakanzi naJesu ndiyo mikuru? Tingaratidza sei kuti tinoiteerera?

KURARAMA KWECHIKRISTU

Zvatingaita Kuti Tide Mwari Nemuvakidzani

Tinofanira kuda Mwari nemuvakidzani. Kuverenga Bhaibheri zuva nezuva ndiko kuchaita kuti tikwanise kuita izvi.

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Ramba Wakamuka Pakunamata Mumazuva Ekupedzisira

Vakawanda vari kurega zvinhu zvinodiwa pakurarama zvichivatadzisa kukoshesa zvekunamata. Maonero evaKristu akasiyana sei neevanhu vari munyika?

KURARAMA KWECHIKRISTU

Tava Pedyo Nekuguma Kwenyika

Mashoko aJesu anoratidza sei kuti tava pedyo chaizvo nemugumo? Mubvunzo uyu nemimwe inopindurwa muvhidhiyo inonzi Tava Pedyo Nekuguma Kwenyika.

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

“Rambai Makarinda”

Mumufananidzo waJesu wemhandara gumi chii chinomiririrwa nemuroori, mhandara dzakangwara, uye mhandara dzakapusa? Mufananidzo uyu unokudzidzisei?

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri​—Kudzidzisa Vadzidzi Vedu Kugadzirira

Kubvira pekutanga chaipo, tinofanira kubatsira vatinodzidza navo kuti vagadzirire. Tingazviita sei?