Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mharidzo Dzekuenzanisira

Mharidzo Dzekuenzanisira

●○○ PAUNOONA MUNHU KEKUTANGA

Mushandirapamwe Wekukoka Vanhu kuChirangaridzo (March 3-31): Tiri kukukokaiwo kumusangano unokosha. Renyuwo pepa iri. Musi weMugovera, 31 March, mamiriyoni evanhu pasi rese achaungana kuzoyeuka kufa kwaJesu. Pepa iri rinoratidza nguva nenzvimbo zvichaitirwa musangano wacho. Tinokukokaiwo kuzonzwa hurukuro inoti “Jesu Kristu Anombova Ani?” ichapiwa musi wa25 March.

Pekuzotangira Kana Aratidza Kufarira: Nei Jesu akafa?

○●○ PAUNODZOKERA KEKUTANGA

Mubvunzo: Nei Jesu akafa?

Rugwaro: Mt 20:28

Pekuzotangira: Ndezvipi zvimwe zvatinowana nekufirwa kwatakaitwa naJesu?

○○● PAUNODZOKERA KECHIPIRI

Mubvunzo: Ndezvipi zvimwe zvatinowana nekufirwa kwatakaitwa naJesu?

Rugwaro: VaR 6:23

Pekuzotangira: Tingaratidza sei kuti tinoonga kufirwa kwatakaitwa naJesu?