Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri​—Kudzidzisa Vadzidzi Vedu Kugadzirira

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri​—Kudzidzisa Vadzidzi Vedu Kugadzirira

SEI ZVICHIKOSHA? Pavanogadzirira, vanokurumidza kunzwisisa uye kuyeuka zvatiri kuvadzidzisa. Izvi zvinoita kuti vakurumidze kufambira mberi. Kunyange pavanenge vabhabhatidzwa, vanofanira kugadzirira misangano uye ushumiri kuti ‘varambe vakarinda.’ (Mt 25:13) Saka kuziva zvavanofanira kuita kana vachidzidza uye kuva nepurogiramu yakanaka yekudzidza kuchavabatsira kweupenyu hwese. Kubvira pekutanga chaipo, tinofanira kubatsira vatinodzidza navo kuti vagadzirire.

MAITIRWO AZVO:

  • Iwe semudzidzisi, gadzirirawo. (VaR 2:21) Gadzirira chidzidzo chacho uchifunga nezvemudzidzi wako. (km 11/15 3) Muratidze bhuku rako rawakamaka

  • Mukurudzire kuti agadzirire. Pamunongotanga kudzidza, muudze kuti kudzidza Bhaibheri kunosanganisira kugadzirira uye mutsanangurire kuti zvakanakirei. Mupe mazano ekuti angaronga sei zvinhu zvake kuti awane nguva yekugadzirira. Pavanenge vachidzidza, vamwe vaparidzi vanopa mudzidzi bhuku ravo rakamakwa kuti aone chakanakira kugadzirira. Murumbidze paanogadzirira

  • Muratidze kuti anogadzirira sei. Mazuva ekutanga, vamwe vaparidzi vanotogadzirira nemudzidzi wacho kuti aone kuti zvinoitwa sei