Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 25

“Rambai Makarinda”

“Rambai Makarinda”

25:1-12

Kunyange zvazvo Jesu aireva vateveri vake vakazodzwa paakataura mufananidzo wemhandara gumi, zvidzidzo zvacho zvinobatsira vaKristu vese. (w15 3/15 12-16) “Naizvozvo, rambai makarinda nokuti hamuzivi zuva racho kana awa yacho.” (Mt 25:13) Unogona kutsanangura zvinorehwa nemufananidzo waJesu here?

  • Muroori (vs. 1)​—Jesu

  • Mhandara dzakangwara, dzakagadzirira (vs. 2)​—VaKristu vakazodzwa vanoramba vachiita basa ravo vakatendeka uye vachipenya sezvinhu zvinovheneka kusvikira kumugumo (VaF 2:15)

  • Kushevedzera: “Heuno muroori!” (vs. 6)​—Chiratidzo chekuti Jesu asvika

  • Mhandara dzakapusa (vs. 8)​—VaKristu vakazodzwa vanoenda kunochingura Muroori asi votadza kuramba vakarinda uye vakatendeka

  • Mhandara dzakangwara dzinoramba nemafuta adzo (vs. 9)​—Kana vakazodzwa vakatendeka vaiswa chisimbiso chekupedzisira, havazokwanisi kubatsira vasina kutendeka nekuti nguva inenge yapera

  • “Muroori akasvika” (vs. 10)​—Jesu anouya kuzotonga vanhu kutambudzika kukuru kwava kupera

  • Mhandara dzakangwara dzinopinda mumutambo wemuchato nemuroori uye suo rinovharwa (vs. 10)​—Jesu anounganidza vakazodzwa vakatendeka oenda navo kudenga, asi vasina kutendeka vanorasikirwa nemubayiro wavo wekuenda kudenga