Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Shandisa Mavhidhiyo Paunoitisa Zvidzidzo zveBhaibheri

Shandisa Mavhidhiyo Paunoitisa Zvidzidzo zveBhaibheri

Zvinhu zvinooneka zvinobata pfungwa dzemunhu uye zvinomubatsira kunzwisisa uye kuyeuka zvaanenge adzidza. Jehovha, Murayiridzi Mukuru, aishandisa zvinhu zvinooneka pakuita kuti zvidzidzo zvinokosha zvinzwisisike. (Ge 15:5; Jer 18:1-6) Ndizvowo zvakaitwa naJesu, Mudzidzisi Mukuru. (Mt 18:2-6; 22:19-21) Mumakore achangobva kupfuura, mavhidhiyo akaonekwa kuti anonyatsobatsira chaizvo pakudzidzisa. Uri kuashandisawo here paunoitisa zvidzidzo zveBhaibheri?

Tine mavhidhiyo 10 akagadzirwa kuti atibatsire patinenge tichidzidzisa vanhu bhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari! Kakawanda kacho, vhidhiyo imwe neimwe inenge ichienderana nemubvunzo mumwe chete unenge wakanyorwa nemabhii matema tema mubhurocha racho. Bhurocha repajw.org rinenge riine malink anokuyeuchidza kuti ndepapi paunenge uchifanira kuratidza vhidhiyo imwe neimwe. Tinewo mamwe mabhuku atinoshandisa pakudzidzisa vanhu ari muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa uye tinogona kushandisa mamwewo mavhidhiyo patinenge tichiitisa chidzidzo.

Pane nyaya yemuBhaibheri inogona kunge iri kuomera mudzidzi wako kunzwisisa here? Kana kuti pane chimwe chinhu chiri kumunetsa muupenyu hwake here? Tsvaga pajw.org® uye paJW Broadcasting® vhidhiyo inogona kumubatsira. Munogona kuiona mese mozoikurukura.

Mwedzi nemwedzi panogara pachibuda mavhidhiyo matsva. Paunenge uchiaona, funga kuti ungaashandisa sei pakudzidzisa vamwe.