Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VAROMA 12-14

Zvinorehwa Nekuratidza Rudo rwechiKristu

Zvinorehwa Nekuratidza Rudo rwechiKristu

12:10, 17-21

Kana tikatadzirwa, hatingogumiri pakurega kudzorera asi kuti tinototsvaga mikana yekuitira munhu wacho zvinhu zvakanaka. “Kana muvengi wako aine nzara, mupe zvokudya; kana aine nyota, mupe chimwe chinhu kuti anwe; nokuti nokuita izvi uchatutira marasha anopisa pamusoro wake.” (VaR 12:20) Kana tikaitira zvakanaka munhu anenge atitadzira, munhu iyeye anogona kuzozvidemba nezvaakaita.

Wakanzwa sei pawakatadzira mumwe munhu usina kuzvironga asi achibva atokuregerera uye achibva atokuitira zvinhu zvakanaka?