Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

March 16-22

GENESISI 25-26

March 16-22
  • Rwiyo 18 Nemunyengetero

  • Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

  • Isau Anotengesa Udangwe Hwake”: (10 min.)

    • Ge 25:27, 28​—Isau naJakobho vaiva mapatya asi vainge vakasiyana paunhu uye zvavaifarira kuita (it-1-E 1242)

    • Ge 25:29, 30​—Isau akatadza kuzvidzora nekuti akanga aine nzara uye akaneta

    • Ge 25:31-34​—Isau uyo akanga asingaongi akatengesa udangwe hwake kuna Jakobho asina kumbofunga nekuda chekudya (w19.02 16 ¶11; it-1-E 835)

  • Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (10 min.)

    • Ge 25:31-34​—Nei tisingakwanisi kushandisa nyaya iyi kuratidza kuti tateguru mumwe nemumwe waMesiya aifanira kuva dangwe? (VaH 12:16; w17.12 15 ¶4-6)

    • Ge 26:7​—Nei Isaka asina kutaura chokwadi nezvemudzimai wake? (it-2-E 245 ¶6)

    • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino zvine chekuita naJehovha Mwari, ushumiri kana kuti zvimwewo?

  • Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Ge 26:1-18 (th chidzidzo 5)

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

  • Vhidhiyo Yepaunodzokera Kekutanga: (5 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vhidhiyo yacho mozobvunza vateereri kuti: Tingaitei kuti tisanyadzisa saimba kana asingazivi mhinduro yemubvunzo watinenge tabvunza? Muparidzi ashandisa sei Mateu 20:28 zvinobudirira?

  • Paunodzokera Kekutanga: (4 min. zvichidzika) Shandisa mharidzo yekuenzanisira. (th chidzidzo 3)

  • Paunodzokera Kekutanga: (4 min. zvichidzika) Tanga nemharidzo yekuenzanisira. Mupe bhuku raBhaibheri Rinotidzidzisei? (th chidzidzo 15)

KURARAMA KWECHIKRISTU

  • Rwiyo 78

  • Shandisa Mavhidhiyo Paunenge Uchidzidza Nevanhu Bhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!: (15 min.) Kukurukurirana. Ratidzai mavhidhiyo anotevera: Chii Chinoitika Kana Munhu Afa? uye Nei Mwari Achibvumira Kutambura? Panopera vhidhiyo imwe neimwe bvunzai kuti: Ungashandisa sei vhidhiyo iyi paunenge uchidzidza nemunhu bhurocha raMashoko Akanaka? (mwb19.03 7) Zvii zviri muvhidhiyo yacho zvawakaona zvichibatsira paunenge uchidzidza nemunhu? Yeuchidzai vese kuti bhurocha raMashoko Akanaka rinowanika pamafoni nematablet rine malink emavhidhiyo acho.

  • Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) jy chits. 108

  • Mashoko Ekugumisa (3 min. zvichidzika)

  • Rwiyo 107 Nemunyengetero