Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | GENESISI 22-23

“Mwari Akaedza Abrahamu”

“Mwari Akaedza Abrahamu”

22:1, 2, 9-12, 15-18

Kurwadziwa kwakaita Abrahamu paakanga ava kuda kupa Isaka sechibayiro kunotibatsira kufungidzira kurwadziwa kwakaita Jehovha paakapa Mwanakomana wake, Jesu Kristu, serudzikinuro. (Joh 3:16) Mashoko ari muvhesi 2 anotidzidzisei nezvemanzwiro anoita Jehovha?

Rudo runa Jehovha runoita kuti unzwe kuda kuitei?​1VaK 6:20; 1Jo 4:11