Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Ndiani Wandichakoka kuChirangaridzo?

Ndiani Wandichakoka kuChirangaridzo?

Gore negore tinoshanda nesimba kukoka vanhu vari mundima kuti vauye kuChirangaridzo. Vakawanda vacho vanhu vatisingazivi. Tinofanirawo kukoka vanhu vatinoziva. Kakawanda kacho vanhu vanouya kana vakakokwa nemunhu wavanoziva. (yb08-E 11 ¶3; 14 ¶1) Ndivanaani vaunogona kukoka?

  • Hama dzako

  • Vaunoshanda navo kana kuti vaunodzidza navo kuchikoro

  • Vavakidzani vako

  • Vaunodzidza navo Bhaibheri uye vawakambodzidza navo

Uyewo vakuru vachakakoka vaya vasingachaiti mabasa ekunamata. Zvakadini kana munhu waunoziva asingagari kwaunogara? Unogona kutsvaga nguva nenzvimbo ichaitirwa Chirangaridzo kwaanogara nekubaya pakanzi NEZVEDU papeji yekutanga yepajw.org wobva wazobaya pakanzi “Chirangaridzo.” Paunenge uchigadzirira Chirangaridzo chegore rino, funga nezvevanhu vaunogona kukoka wobva wavakoka.