Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI | WEDZERA MUFARO WAKO MUUSHUMIRI

Wedzera Mufaro Wako Muushumiri—Bvunza Mibvunzo

Wedzera Mufaro Wako Muushumiri—Bvunza Mibvunzo

Jehovha, “Mwari anofara,” anoda kuti tinakidzwe neushumiri. (1Ti 1:11) Mufaro wedu unowedzera patinovandudza unyanzvi hwedu. Kubvunza mibvunzo kunoita kuti munhu afarire uye kazhinji kacho ndizvo zvinoitwa nemunhu wese paanotanga kutaura nemumwe. Mibvunzo inobatsira munhu kuti afunge. (Mt 22:41-45) Patinobvunza mubvunzo toteerera, tinenge tichiratidza munhu wacho kuti anokosha kwatiri. (Jak 1:19) Mhinduro dzemunhu wacho dzinogona kutibatsira kuona kuti tokurukura takananga kupi.

ONA VHIDHIYO INONZI WANA MUFARO PAKUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI—VANDUDZA UNYANZVI HWAKO—KUBVUNZA MIBVUNZO, WOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Jade akaratidza unhu hupi hwakanaka?

  • Neeta akashandisa sei mibvunzo kuratidza kuti aiva nehanya naJade?

  • Neeta akashandisa sei mibvunzo kuita kuti Jade afarire mashoko akanaka?

  • Neeta akashandisa sei mibvunzo kuita kuti Jade afunge?