PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Ngwarira Kuti Usazvikudza Uye Usazvivimba
Kora akapandukira urongwa hwaJehovha hwekunamata nekuti akanga ava kuzvikudza uye kuzvivimba (Nu 16:1-3; w11 9/15 27 ¶12)
Kora aiva muRevhi anoremekedzwa aitova nemabasa anokosha pakushumira Mwari (Nu 16:8-10; w11 9/15 27 ¶11)
Mafungiro akaipa aKora akakonzera matambudziko akakura (Nu 16:32, 35)
Hatifaniri kurega kubudirira kwatinoita mubasa raJehovha kuchiita kuti tizvikudze uye tizvivimbe. Kana tava nenguva yakareba tiri muchokwadi kana kuti tiine mabasa akakura musangano, zvinokosha chaizvo kuti tizvininipise.