SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI | WEDZERA MUFARO WAKO MUUSHUMIRI
Batsira Vadzidzi Vako veBhaibheri Kuti Vave Neushamwari Hwepedyo naJehovha
Jehovha anoda kuti timushumire zvichibva pakuti tinomuda. (Mt 22:37, 38) Kuda Mwari ndiko kuchaita kuti vadzidzi veBhaibheri vawane simba rekuchinja upenyu hwavo uye vatsungirire miedzo. (1Jo 5:3) Kuda Mwari kuchaitawo kuti vade kubhabhatidzwa.
Batsira vadzidzi vako kuti vaone kuti Mwari anovada. Vabvunze mibvunzo yakadai seyekuti: “Izvi zvinokudzidzisei nezvaJehovha?” kana kuti “Izvi zvinoratidza sei kuti Mwari anokuda?” Vabatsire kuona kuti Jehovha ari kuvabatsira sei muupenyu hwavo. (2Mak 16:9) Vaudze kuti Jehovha akapindura sei minyengetero yako uye vakurudzire kuona kuti Jehovha ari kupindurawo sei minyengetero yavo. Tinowana mufaro kana vanhu vatinodzidza navo Bhaibheri vakaona kuti Jehovha anovada, vobva vatanga kumudawo uye vova neushamwari naye.
ONA VHIDHIYO INONZI BATSIRA VADZIDZI VAKO VEBHAIBHERI KUTI VAVE NEUSHAMWARI HWEPEDYO NAJEHOVHA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Jade akasangana nemuedzo upi?
-
Neeta akabatsira sei Jade?
-
Chii chakabatsira Jade kuti akwanise kukunda muedzo uyu?