Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Ndivanaani Vaunoshamwaridzana Navo paSocial Media?

Ndivanaani Vaunoshamwaridzana Navo paSocial Media?

Shamwari munhu waunoda uye waunoyemura”. Semuenzaniso, Jonatani naDhavhidhi vakava neushamwari hwakasimba pashure pekunge Dhavhidhi auraya Goriyati. (1Sa 18:1) Mumwe nemumwe wavo aiva neunhu hwaiyemurwa nemumwe. Saka vanhu vanokwanisa kuva neushamwari hwakasimba kana vachinyatsozivana. Kuti uzosvika pakunyatsoziva mumwe munhu zvinotora nguva, uye une zvaunofanira kutoita. Asi pasocial media vanhu vanova shamwari zviri nyore. Pasocial media zviri nyore kuti munhu avanze zvaari nekuti anokwanisa kugara aronga zvaari kuda kutaura uye zvaanoda kuti vanhu vafunge nezvake. Saka zvakanaka kuti ugare waziva kuti unoda kushamwaridzana nevanhu vakaita sei pasocial media. Usatya kuramba kushamwaridzana nevanhu vausinganyatsozivi uchityira kuti ungazovarwadzisa. Vamwe vakatosarudza kusaenda pasocial media nemhaka yengozi dziripo. Asi kana ukasarudza kuishandisa, zvii zvaunofanira kungwarira?

ONA VHIDHIYO INONZI CHENJERERA PAKUSHANDISA SOCIAL-NETWORK, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Unofanira kufunga nezvei usati wanyora chimwe chinhu kana kuisa pikicha pasocial media?

  • Nei uchifanira kungwarira pakusarudza shamwari dzako pasocial media?

  • Nei uchifanira kungwarira nguva yaunopedza uri pasocial media?VaE 5:15, 16