SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI | WEDZERA MUFARO WAKO MUUSHUMIRI
Batsira Vadzidzi Vako veBhaibheri Kukurira Tsika Dzisina Kuchena.
Vanhu vane tsika dzakachena ndivo chete vanokwanisa kuva shamwari dzaJehovha. (1Pe 1:14-16) Vanhu vatinodzidza navo Bhaibheri pavanosiya tsika dzakaipa, zvichaita kuti vafare mumhuri, vave neutano hwakanaka, uye vachengetedze mari.
Nyatsovatsanangurira kuti Jehovha anoda kuti vaitei, wovaratidza kuti nei achida kuti vaite izvozvo uye kuti kuzviteerera kwakanakirei. Batsira vadzidzi vako kuti vachinje mafungiro avo uye izvi zvichavabatsira kuti vaite zvinodiwa naJehovha. (VaE 4:22-24) Vaudze kuti Jehovha anogona kuvabatsira kuti vasiye zvinhu zvakaipa zvavava nenguva refu vachiita. (VaF 4:13) Vadzidzise kuti vanyengetere kuna Jehovha pavanonzwa vachida kuita zvakaipa. Vabatsire kuona uye kusiya zvinhu zvinogona kuvaisa pamuedzo wekuita zvakaipa. Vakurudzire kuti vatsive zvinhu zvakaipa nezvinhu zvakanaka zvinovabatsira. Tinofara chaizvo patinoona Jehovha achibatsira vanhu vatinodzidza navo kuchinja mararamiro avo.
ONA VHIDHIYO INONZI BATSIRA VADZIDZI VAKO VEBHAIBHERI KUKURIRA TSIKA DZISINA KUCHENA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Neeta nevakuru vakaratidza sei kuti vaivimba naJade?
-
Zvii zvimwe zvakaitwa naNeeta kuti abatsire Jade?
-
Jade akaitei kuti abatsirwe naJehovha?