KURARAMA KWECHIKRISTU
Tingashandisa Sei Mavhidhiyo Anotaura Nezvezvidzidzo zveBhaibheri Zvatinoitisa?
Tine mavhidhiyo mana atinoshandisa muushumiri anotaura nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvatinoitisa. Vhidhiyo imwe neimwe yakagadzirirwei?
-
Vhidhiyo inonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri?—Vhidhiyo Refu yakagadzirwa kuti ibatsire vanhu kufarira Bhaibheri pasinei nekuti vari muchitendero chipi. Inokurudzira vanhu kuti vatsvage mhinduro dzemibvunzo yeupenyu inokosha muBhaibheri uye inotaura mhinduro dzemimwe mibvunzo iyoyo. Inotsanangurawo kuti munhu angakumbira sei kuitiswa chidzidzo cheBhaibheri.
-
Vhidhiyo inonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri? (vhidhiyo pfupi) yakangofanana nevhidhiyo refu asi iyo ipfupi. Inonyanya kushanda mundima dzine vanhu vanogara vakabatikana.
-
Vhidhiyo inonzi Zvidzidzo zveBhaibheri Zvinoitwa Sei? yakagadzirwa kuti iite kuti vanhu vafarire purogiramu yatinoita yekudzidza nevanhu Bhaibheri uye inopindura mimwe mibvunzo ine chekuita nepurogiramu yacho, kusanganisira kuti munhu angakumbira sei kuitiswa chidzidzo cheBhaibheri.
-
Vhidhiyo inonzi Tinokugamuchira kuKosi yeBhaibheri yakagadzirwa kuti iratidzwe vadzidzi veBhaibheri. Kunyange zvazvo vhidhiyo iyi ichisumwa papeji 2 yebhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! inogonawo kuratidzwa munhu pamunenge muchishandisa bhurocha raRarama Nekusingaperi Uchifara! Vhidhiyo iyi inotaura zviri mubhuku racho uye kuti mudzidzi angatarisirei paanenge achiridzidza.
Kunyange zvazvo vhidhiyo imwe neimwe iine chinangwa chayakagadzirirwa, tinogona kuratidza kana kutumira vanhu mavhidhiyo aya pese pazvinenge zvakakodzera. Vaparidzi vanokurudzirwa kuti vanyatsoziva mavhidhiyo aya uye vaashandise zvakanaka muushumiri.