PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Ndiriini Paunofanira Kuvimba naJehovha?
Asa akavimba naJehovha paaida kubatsirwakukunda uto rakakura (2Mak 14:9-12; w21.03 5 ¶12)
Asa akazokumbira kubatsirwa nevaSiriya kuti akunde uto rakanga risina kukura (2Mak 16:1-3; w21.03 5 ¶13)
Jehovha haana kufara nezvakaitwa naAsa zvekutadza kuramba achitsvaga kubatsirwa naye (2Mak 16:7-9)
Tinogona kuvimba naJehovha patinenge tichiita zvisarudzo zvikuru zvinogona kuchinja upenyu hwedu, asi tinovimbawo naye here patinoita zvisarudzo zvinoita sezvidiki? Zvinokosha chaizvo kuti tifunge nezvaJehovha munzira dzedu dzese.—Zvi 3:5, 6; w21.03 6 ¶14.