KURARAMA KWECHIKRISTU
Tingaita Sei Zvisarudzo Zvinoratidza Kuti Tinovimba naJehovha?
Zuva rega rega tinofanira kuita zvisarudzo zvakawanda. Vanhu vari munyika vanowanzoita zvisarudzo zvavo zvichibva pamanzwiro avo kana kuti vanongotevedzera zvinoitwa nevakawanda. (Eks 23:2; Zvi 28:26) Asi vaya vanovimba naJehovha ‘vanofunga nezvake’ kuburikidza nekushandisa mazano eBhaibheri pavanenge vachida kuita zvisarudzo.—Zvi 3:5, 6.
Nyora kuti ndepapi paungabatsirwa nevhesi rimwe nerimwe riri pasi apa kuita chisarudzo chakanaka.
ONA VHIDHIYO INONZI TEVEDZERA VANHU VAIVA NEKUTENDA,KWETE VAKANGA VASINA KUTENDA—MOZISI, KWETE FARAO,WOZOPINDURA MUBVUNZO UNOTEVERA:
Muenzaniso wemumwe munhu anotaurwa muBhaibheri, wakabatsira sei hama iyi kuita chisarudzo chakanaka?