March 20-26
2 MAKORONIKE 1-4
Rwiyo 41 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (1 min.)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Mambo Soromoni Anoita Chisarudzo Chisingaratidzi Uchenjeri”: (10 min.)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (10 min.)
2Mak 1:11, 12—Nyaya iyi inotidzidzisei nezveminyengetero yatinoita tiri tega? (w05 12/1 19 ¶6)
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino zvine chekuita naJehovha, ushumiri kana kuti zvimwewo?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min.) 2Mak 4:7-22 (th chidzidzo 10)
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Kukoka Vanhu kuChirangaridzo: (3 min.) Koka munhu waunoshanda naye, wekuchikoro, kana weukama. (th chidzidzo 2)
Paunodzokera: (4 min.) Dzokera kunoona munhu akafarira uye akatambira pepa rekumukoka kuChirangaridzo. Muudze nezvekosi yeBhaibheri yatinoitisa uye mupe bhurocha raRarama Nekusingaperi Uchifara! Ita seuri kumuratidza vhidhiyo inonzi Zvidzidzo zveBhaibheri Zvinoitwa Sei? mokurukura zvirimo (asi usamuratidza vhidhiyo yacho). (th chidzidzo 17)
Chidzidzo cheBhaibheri: (5 min.) lff chidzidzo 09 pfungwa 5 (th chidzidzo 9)
KURARAMA KWECHIKRISTU
Uchange Wakagadzirira Here Zuva Rinonyanya Kukosha Pagore?: (15 min.) Hurukuro uye kuona vhidhiyo. Inofanira kuitiswa nemutariri webasa. Taurai kuti mava papi nekukoka vanhu kuChirangaridzo mundima yenyu. Bvunzai vaparidzi vane zvinhu zvinokurudzira zvavakasangana nazvo pavaikoka vanhu. Taurai nezvepurogiramu yekuverenga Bhaibheri yeChirangaridzo iri papeji 8 ne9 uye kurudzirai vese kuti vagadzirire mwoyo yavo. (Ezr 7:10) Taurai kuti mungagamuchira sei vanhu zvakanaka musi weChirangaridzo. (VaR 15:7; mwb16.03 2) Ratidzai vhidhiyo yakanzi Mabikirwo Echingwa cheChirangaridzo.
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) lff chidzidzo 41 pfungwa 1-4
Mashoko Ekugumisa (3 min.)
Rwiyo 135 Nemunyengetero