Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

April 1-7

PISAREMA 23-25

April 1-7

Rwiyo 4 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. “Jehovha Ndiye Mufudzi Wangu”

(10 min.)

Jehovha anotitungamirira (Pis 23:​1-3; w11 5/1 31 ¶3)

Jehovha anotidzivirira (Pis 23:4; w11 5/1 31 ¶4)

Jehovha anotipa zvatinoda pakunamata (Pis 23:5; w11 5/1 31 ¶5)

Jehovha anochengeta vashumiri vake sezvinoita mufudzi ane rudo uyo anochengeta makwai ake.

ZVIBVUNZE KUTI, ‘Zvii zvandiri kuitirwa naJehovha?’

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 23:3—Chii chinonzi ‘nzira dzekururama’ uye chii chichatibatsira kuti tisabuda madziri? (w11 2/15 24 ¶1-3)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Verenga vhesi inokurudzira mumwe munhu anokuudza kuti ari kunetseka nekusvibiswa uye kukanganiswa kuri kuitwa nharaunda. (lmd chidzidzo 2 pfungwa 5)

5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(4 min.) PAIMBA NEIMBA. Ratidza mumwe munhu wawakapa bhurocha raRarama Nekusingaperi Uchifara! kuti tinodzidza sei. (lmd chidzidzo 9 pfungwa 3)

6. Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 54

7. Hatiteereri Manzwi Evanhu Vatisingazivi

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Makwai anoziva inzwi remufudzi wawo uye anomutevera. Asi anotiza munhu ane inzwi raasingazivi. (Joh 10:5) Saizvozvowo, tinoteerera manzwi evafudzi vedu vatinoda uye vatinogona kuvimba navo, Jehovha naJesu. (Pis 23:1; Joh 10:11) Asi hatiteereri manzwi evanhu vatisingazivi avo vanoedza kukanganisa kutenda kwedu vachishandisa ‘mashoko enhema.’—2Pe 2:​1, 3.

Chitsauko 3 chaGenesisi chinotiudza pakatanga kunzwika inzwi remunhu akanga asingazivikanwi panyika. Satani akataura naEvha achishandisa nyoka kuitira kuti Evha asaziva kuti ndiani chaizvo waakanga achitaura naye. Satani akanyepedzera kunge shamwari yaEvha uye akamuudza nhema nezvaJehovha. Zvinosuwisa kuti Evha akateerera nhema idzodzo zvikaita kuti iye nemhuri yake yese vatambure.

Mazuva ano, Satani anoedza kuita kuti tisava nechokwadi naJehovha nesangano rake nekutaura mashoko anoodza mwoyo, mashoko anotsausa uye mashoko enhema. Patinonzwa inzwi remunhu watisingazivi, tinofanira kutiza! Zvine ngozi kungoteerera kunyange zvishoma, tichida kungozivawo. Yeuka kuti Satani akatsausa Evha nemashoko akawanda sei pavakataura vese. (Ge 3:​1, 4, 5) Tingaita sei kana mumwe munhu anotida achida kutiudza mashoko akaipa nezvesangano raJehovha?

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Usateerere “Inzwi Revanhu Vausingazivi,” mobvunza vateereri kuti:

Wadzidzei pane zvaitwa naJade, amai vake pavanga vachida kumuudza mashoko akaipa nezvesangano raJehovha?

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 55 Nemunyengetero