April 22-28
PISAREMA 32-33
Rwiyo 103 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)
1. Nei Tichifanira Kureurura Zvivi Zvakakura Zvatinenge Taita?
(10 min.)
Dhavhidhi ainetseka chaizvo paaiedza kuvanza zvivi zvake; zvichida zvivi zvacho zvaiva nechekuita neupombwe hwaakaita naBhati-shebha (Pis 32:3, 4; w93 3/15 9 ¶7)
Dhavhidhi akareurura zvivi zvake kuna Jehovha uye akaregererwa (Pis 32:5; cl 262 ¶8)
Dhavhidhi akanzwa arerukirwa paakaregererwa naJehovha (Pis 32:1; w01 6/1 30 ¶1)
Kana tikaita chivi chakakura, tinofanira kureurura kuna Jehovha tichikumbira kuti atiregerere. Tinofanirawo kutsvaga rubatsiro kuvakuru, avo vachatibatsira kuti tigadzirise ushamwari hwedu naJehovha. (Jak 5:14-16) Patinodaro, tichazorodzwa naJehovha.—Mab 3:19.
2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari
(10 min.)
Pis 33:6—Chii chinonzi ‘mweya’ wemuromo waJehovha? (w06 5/15 20 ¶1)
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
3. Kuverenga Bhaibheri
(4 min.) Pis 33:1-22 (th chidzidzo 11)
4. Zvininipise—Pauro Akazviratidza Sei?
(7 min.) Kukurukura nevateereri. Ratidzai VHIDHIYO yacho, mokurukura lmd chidzidzo 4 pfungwa 1-2.
5. Zvininipise—Tevedzera Pauro
(8 min.) Kukurukura nevateereri lmd chidzidzo 4 pfungwa 3-5 uye zviri pakanzi “Onawo.”
Rwiyo 74
6. Zvemuungano Yenyu
(15 min.)
7. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano
(30 min.) bt chits. 8 ¶22-24, bhokisi riri papeji 67