April 29–May 5
PISAREMA 34-35
Rwiyo 10 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)
1. ‘Rumbidza Jehovha Nguva Dzese’
(10 min.)
Dhavhidhi akarumbidza Jehovha kunyange paaiva mumatambudziko (Pis 34:1; w07 3/1 22 ¶11)
Dhavhidhi haana kuzvikudza asi akazvirumbidza muna Jehovha (Pis 34:2-4; w07 3/1 23 ¶13)
Mashoko aDhavhidhi ekurumbidza Jehovha akasimbisa vamwe (Pis 34:5; w07 3/1 23 ¶15)
Pashure pekunge abva kuna Abhimereki, varume 400 vakanga vasiri kufara neutongi hwaSauro vakanobatana naDhavhidhi murenje. (1Sa 22:1, 2) Dhavhidhi anogona kunge aifunga nezvevarume ivavo paakanyora pisarema iri.—Pis 34, mashoko ekusuma.
ZVIBVUNZE KUTI, ‘Ndingarumbidza sei Jehovha pandinenge ndichitaura nemumwe munhu pamusangano weungano unotevera?’
2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari
(10 min.)
-
Pis 35:19—Chikumbiro chaDhavhidhi chekuti vaya vanomuvenga ‘vasachonye’ maziso avo chinorevei? (w06 5/15 20 ¶2)
-
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
3. Kuverenga Bhaibheri
(4 min.) Pis 34:1-22 (th chidzidzo 5)
4. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(2 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Munosvika pakupedza kutaura usati wamuparidzira. (lmd chidzidzo 1 pfungwa 4)
5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira
(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. (lmd chidzidzo 2 pfungwa 4)
6. Kutsanangura Zvaunotenda
(5 min.) Muenzaniso. ijwfq 59—Musoro: Zvapupu zvaJehovha Zvinoziva Sei Kana Zororo Richitenderwa naMwari? (th chidzidzo 17)
Rwiyo 59
7. Nzira Nhatu Dzekurumbidza Nadzo Jehovha Pamisangano
(15 min.) Kukurukura nevateereri.
Misangano yeungano inotipa mikana yakazonaka yekurumbidza Jehovha. Ona nzira nhatu dzinotevera.
Kukurukura nevamwe: Taura nezvekunaka kwaJehovha paunenge uchikurukura nevamwe. (Pis 145:1, 7) Wakaverenga kana kunzwa chimwe chinhu chakakubatsira here? Pane zvimwe zvinhu zvinokurudzira zvawakasangana nazvo muushumiri here? Pane mumwe munhu akataura kana kuita chimwe chinhu chakakukurudzira here? Pane chimwe chinhu chakasikwa chawakaona chakakushamisa here? Zvese izvi zvipo zvinobva kuna Jehovha. (Jak 1:17) Kurumidza kusvika pamisangano kuitira kuti uwane nguva yekutaura nevamwe.
Mhinduro: Edza kupindura kamwe chete kana kupfuura pamusangano wega wega. (Pis 26:12) Unogona kupa mhinduro yemubvunzo unenge wabvunzwa, kutaura imwe pfungwa yekuwedzera, kutaura zviri murugwaro, kutaura zviri pamapikicha kana kutaura kuti zvinoshanda sei muupenyu. Sezvo muchigona kusimudza maoko makawanda, gadzirira mhinduro dzakati wandei. Kana tikaita kuti mhinduro dzedu dzisapfuura masekondi 30, tinopa vakawanda mukana ‘wekupa Mwari chibayiro chekurumbidza.’—VaH 13:15.
Nziyo: Imba nziyo dzeUmambo nemwoyo wese. (Pis 147:1) Unogona kushaya mukana wekupindura pane mimwe misangano kunyanya kana uri muungano yakakura, asi unokwanisa kuimba. Kunyange kana uchinzwa sekuti haugoni kuimba, Jehovha anofara chaizvo paunoimba nemwoyo wese! (2VaK 8:12) Unogona kudzidzira kuimba uchiri kumba.
Ratidzai VHIDHIYO inonzi Kufamba Kuri Kuita Sangano Redu—Chipo Chenziyo, Chikamu 1, mobvunza vateereri kuti:
Makore akatanga sangano redu, takaratidza sei kuti kuimba tichirumbidza Jehovha kunokosha?
8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano
(30 min.) bt chits. 9 ¶1-7, mashoko ekusuma chikamu 3 uye bhokisi riri papeji 70