Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

March 18-24

PISAREMA 19-21

March 18-24

Rwiyo 6 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. “Matenga Anozivisa Kubwinya kwaMwari”

(10 min.)

Zvinhu zvakasikwa naJehovha zvinozivisa kubwinya kwake (Pis 19:1; w04 1/1 8 ¶1-2)

Zuva rakasikwa zvinoshamisa (Pis 19:​4-6; w04 6/1 11 ¶8-10)

Tinofanira kudzidza kubva pazvinhu zvakasikwa naMwari (Mt 6:28; g95-E 11/8 7 ¶3)


ZVAMUNOGONA KUITA PAKUNAMATA KWEMHURI: Ongororai zvinhu zvakasikwa mokurukura kuti zvinotidzidzisei nezvaJehovha.

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 19:​7-9—Mavhesi aya ari kuratidza nhetembo yakaita sei mumutauro wechiHebheru? (it-1-E 1073)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) KUPARIDZA MUNZVIMBO DZINOWANIKA VANHU VAKAWANDA. Ipa munhu pepa rekumukoka kuChirangaridzo uye enda pajw.org wotsvaga nzvimbo ichaitirwa Chirangaridzo iri pedyo nekwaanogara. (lmd chidzidzo 2 pfungwa 3)

5. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Hurukuro yeChirangaridzo painenge yapera kurukura nemunhu auya kuChirangaridzo akawana pepa rekumukoka pamba pake. Ronga naye kuti uzomushanyira kuti upindure mibvunzo yaainayo. (lmd chidzidzo 3 pfungwa 4)

6. Kutsanangura Zvaunotenda

(5 min.) Hurukuro. ijwfq 45—Musoro: Nei Maitiro Anoita Zvapupu zvaJehovha Chirayiro chaShe Achisiyana Nezvinoitwa Nemamwe Machechi? (th chidzidzo 6)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 141

7. Tarisa Zvinhu Zvakasikwa Kuti Usimbise Kutenda Kwako

(15 min.) Kukurukura nevateereri. Ratidzai VHIDHIYO yacho, mobvunza vateereri kuti:

Zvinhu zvakasikwa zvinokubatsira sei kuti usimbise kutenda kwaunoita kuti kune Musiki?

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 127 Nemunyengetero