Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

March 4-10

PISAREMA 16-17

March 4-10

Rwiyo 111 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. “Jehovha, Munoita Kuti Ndive Akanaka”

(10 min.)

Kushamwaridzana nevanhu vanoshumira Jehovha kunoita kuti tifare (Pis 16:​2, 3; w18.12 26 ¶11)

Kuziva kuti tiri shamwari dzaJehovha kunoita kuti tifare (Pis 16:​5, 6; w14 2/15 29 ¶4)

Kudzivirirwa kwatinoitwa naJehovha panyaya dzekunamata kunoita kuti tinzwe takachengeteka (Pis 16:​8, 9; w08 2/15 3 ¶2-3)

Kungofanana naDhavhidhi, tine upenyu hwakanaka nekuti tinonyanya kukoshesa kunamata Jehovha, uyo anoita kuti tive vakanaka.

ZVIBVUNZE KUTI, ‘Upenyu hwangu hwachinja zvakadii kana ndichihuenzanisa nezvahwaiva ndisati ndauya muchokwadi?’

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 17:8—Mashoko ekuti ‘mboni yeziso renyu’ anorevei? (it-2-E 714)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(1 min.) PAIMBA NEIMBA. Ipa munhu pepa rekumukoka kuChirangaridzo. (th chidzidzo 11)

5. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) PAIMBA NEIMBA. Ipa munhu pepa rekumukoka kuChirangaridzo. Pashure pekunge aratidza kufarira, ita seuri kumuratidza vhidhiyo inonzi Kuyeuka Rufu rwaJesu mokurukura zvirimo. (th chidzidzo 9)

6. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(2 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Ipa munhu pepa rekumukoka kuChirangaridzo. (th chidzidzo 2)

7. Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 20

8. Tingagadzirira Sei Kuzopinda Chirangaridzo?

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Sezvo tichida kuteerera murayiro watakapiwa naJesu, musi weSvondo 24 March tichapinda musangano wekuyeuka rufu rwake. Tichange tichiyeuka rudo rukuru rwatakaratidzwa naJehovha uyewo naJesu. (Ru 22:19; Joh 3:16; 15:13) Zvii zvatingaita kuti tigadzirire musangano uyu unokosha?

  • Shanda nesimba pamushandirapamwe wekukoka vanhu kuhurukuro inokosha nekuChirangaridzo. Nyora pasi mazita evanhu vauri kuda kukoka, wobva wavakoka. Kana paine vanhu vauri kuda kukoka vasingagari mundima yenyu, enda pajw.org wotsvaga nguva nenzvimbo iri kuitirwa misangano yacho kunharaunda inogara munhu wacho

  • Wedzera nguva yauchaita uri muushumiri mumwedzi waMarch naApril. Unokwanisa here kushanda sapiyona webetsero kwemaawa 15 kana 30?

  • Musi wa18 March, tanga kuverenga nezvezviitiko zvinokosha zvakaitika muvhiki rekupedzisira reupenyu hwaJesu ari pano panyika. Zuva rimwe nerimwe, unogona kuona kuti ungaverenga zvakawanda sei pazvinhu zviri pachati rakanzi “Purogiramu Yekuverenga Bhaibheri yeChirangaridzo ya2024” riri papeji 6-7

  • Musi weChirangaridzo, ona vhidhiyo inokosha yeKunamata Kwemangwanani pajw.org

  • Musi weChirangaridzo, gamuchira vatsva vanenge vauya uyewo vaya vasingachaiti basa. Vaudze kuti unogona kupindura mibvunzo yavangava nayo nezvepurogiramu yacho kana musangano wapera. Ronga kuzoshanyira vanenge vapinda kuti uvabatsire kudzidza zvakawanda

  • Chirangaridzo chisati chaitwa uye chapfuura, fungisisa nezvechibayiro chaJesu

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Kuyeuka Rufu rwaJesu mobvunza vateereri kuti:

Tingashandisa sei vhidhiyo iyi patinenge tichiita mushandirapamwe wekukoka vanhu kuChirangaridzo?

9. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 73 Nemunyengetero