April 14-20
ZVIREVO 9
Rwiyo 56 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)
1. Iva Munhu Akachenjera, Kwete Museki
(10 min.)
Museki haabvumi kutsiurwa uye anotogumbukira munhu anenge amutsiura (Zvi 9:7, 8a; w22.02 9 ¶4)
Munhu akachenjera anofarira munhu anomutsiura uye haamuvengi (Zvi 9:8b, 9; w22.02 12 ¶12-14; w01 5/15 30 ¶1-2)
Zvinhu zvinofamba zvakanaka kumunhu akachenjera, asi kumuseki hazvimufambiri zvakanaka (Zvi 9:12; w01 5/15 30 ¶5)
2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari
(10 min.)
Zvi 9:17—Chii chinonzi “mvura yekuba,” uye nei ichitapira? (w06 9/15 17 ¶5)
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
3. Kuverenga Bhaibheri
(4 min.) Zvi 9:1-18 (th chidzidzo 5)
4. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira
(4 min.) PAIMBA NEIMBA. Munhu wacho akapinda Chirangaridzo. (lmd chidzidzo 8 pfungwa 3)
5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira
(4 min.) KUPARIDZA MUNZVIMBO DZINOWANIKA VANHU VAKAWANDA. Wakambobatsira munhu wacho kuti azive kunopindirwa Chirangaridzo pedyo naye. (lmd chidzidzo 7 pfungwa 4)
6. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira
(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Munhu wacho ndeweukama uye wakambomubatsira kuti azive kunopindirwa Chirangaridzo pedyo naye. (lmd chidzidzo 8 pfungwa 4)
Rwiyo 84
7. Ropafadzo Dzinoita Kuti Uve Anokosha Here?
(15 min.) Kukurukura nevateereri.
Ratidzai VHIDHIYO yacho. Kana yapera, bvunzai vateereri kuti:
Shoko rekuti “ropafadzo” rinorevei?
Vaya vane mabasa muungano vanofanira kuzviona sei?
Nei kushumira vamwe kuri iko kunonyanya kukosha kupfuura mabasa atinoita musangano?
8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano
(30 min.) bt chits. 25 ¶5-7, bhokisi riri papeji 200