May 2-8
JOBHO 38-42
Rwiyo 63 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (3 min. zvichidzika)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Jehovha Anofara Kana Tikanyengetererawo Vamwe”: (10 min.)
Job 42:7, 8
—Jehovha aida kuti Jobho anyengeterere Erifazi, Bhiridhadhi, naZofari (w13 6/15 21 ¶17; w98 5/1 30 ¶3-6) Job 42:10
—Jobho paakavanyengeterera, Jehovha akabva amuporesa (w98 5/1 31 ¶3) Job 42:10-17
—Jehovha akakomborera Jobho zvikuru nemhaka yokutenda uye kutsungirira kwake (w94 11/15 20 ¶19-20)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (8 min.)
Job 38:4-7
—Ndivanaani vanonzi “nyeredzi dzemangwanani,” uye zvii zvatinoziva nezvavo? (bh 97 ¶3; w06 1/15 3 ¶2) Job 42:3-5
—Tingaitei kuti tione Mwari sezvakaita Jobho? (w15 10/15 8 ¶16-17) Ndinodzidzei nezvaJehovha kubva pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
Ipfungwa dzipi dziri pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino dzandinogona kushandisa mubasa remumunda?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Job 41:1-26
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Gadzirira Mharidzo Dzemwedzi Uno: (15 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vateereri vhidhiyo yemharidzo yekuenzanisira imwe neimwe, mobva makurukura navo zvinhu zvinokosha zvaitwa. Pamunenge muchitaura mashandisiro atingaita matablet nemafoni, taurai muchidimbu zviri munyaya yakanzi “Mashandisiro Atingaita JW Library.” Yeuchidzai vaparidzi kuti mwedzi mumwe nemumwe ngavashume kuti vakaratidza vanhu mavhidhiyo muushumiri kangani. Kurudzirai vaparidzi kuti vanyore mharidzo dzavo pachavo.
KURARAMA KWECHIKRISTU
Rwiyo 60
“Uri Kushandisa JW Library Here?”: (15 min.) Mumaminitsi 5 okutanga, kurukurai nevateereri zviri munyaya iyi. Kana mapedza, varatidzei vhidhiyo inonzi Start Using “JW Library” moikurukura kwenguva pfupi. Kana mapedza itai zvimwe chete nevhidhiyo inonzi Download and Manage Publications uye imwe inonzi Customize the Reading Experience. Muvhiki raMay 16 tichakurukura chikamu chinoti “Mashandisiro Atingaita JW Library.” Saka kurudzirai vose vanokwanisa kuti vave neJW Library app uye vadhaunirodhe zviripo pamatablet avo kana kuti pamafoni.
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) ia chits. 14 ¶14-22 uye kudzokorora chitsauko chacho
Kudzokorora Zvadzidzwa Uye Kutaura Zvichadzidzwa Vhiki Inotevera (3 min.)
Rwiyo 77 Nemunyengetero