Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

“Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari . . . ”

“Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari . . . ”

Mutemo waMosesi waiti kana murume achida kuramba mudzimai wake, aifanira kunyora rugwaro rwokumuramba. Izvi zvaiitirwa kuti vanhu vasangokurumidza kurambana. Asi munguva yaJesu, vatungamiriri vezvitendero vaiita kuti kurambana kuve nyore. Varume vairamba vakadzi vavo pasina zvikonzero zvine musoro. (“rugwaro rwokuramba” tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 10:4, nwtsty; anoramba mudzimai wake,” “anoita upombwe, achimutadzira” tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 10:11, nwtsty) Jesu akataura kuti Jehovha ndiye akatanga wanano. (Mk 10:2-12) Murume nemukadzi vaifanira kuva “nyama imwe,” vogara vese zvachose. Nyaya iri pana Mateu inoratidza kuti “ufeve” ndihwo chete hunogona kuita kuti vanhu varambane.—Mt 19:9.

Mazuva ano, vakawanda vari munyika vanoona wanano sezvaiitwa nevaFarisi. Pavanonetsana, vanokurumidza kurambana. Asi vaKristu vanokoshesa mhiko dzavo dzemuchato uye vanoshandisa Bhaibheri kana paine zviri kunetsa muwanano dzavo. Onai vhidhiyo inonzi Rudo Nekuremekedzana Zvinosimbisa Mhuri, mozopindura mibvunzo inotevera:

  • Ungashandisa sei zvinotaurwa pana Zvirevo 15:1 muwanano yako, uye nei zvichikosha?

  • Ungashandisa sei zviri pana Zvirevo 19:11?

  • Kana uchiona sekuti zvinetso zvamunazvo hazvichagadzirisiki, mibvunzo ipi yaunofanira kuzvibvunza panzvimbo pekufunga zvekurambana?

  • Ungashandisa sei Mateu 7:12 kuti uve murume kana kuti mudzimai akanaka?